Poetry International Poetry International
Poem

Tsotso magazine

Ndambakuudzwa

Ndambakuudzwa

Ndambakuudzwa

Atova matakwengura
Pfuko yemhedziso
Misodzi yojuja mhere ichirira
Vorudenha ruya runovhundutsa
Vose muhana hwangova ubwaka-bwaka
Harahwa dzodedera,
Chembere dzichiguwa
Baba vongomocha, amai vatoshoshoma
Waenda mukorore wavo,
Rambakudzimbwa.

Kudzora takamboedza
“Kumhunga hakunepwa!”
Asi taitaura nedzinzinzi
Edu mashoko aive anovava
Zvino taigodii?
Mufaro mwena, ukatevedza unoguma.

Ngozi zvinoyatangira pauri
Zviri nani iwe warumwa nechekuchera
Ko vana vawagarisa parufuse?
Kuvasikira ngozi yerombe
Ichovaita mutemarege wembada
Mabasa awatisiira makukutu
Hapana anoziva pekutangira.
Close

Ndambakuudzwa

Atova matakwengura
Pfuko yemhedziso
Misodzi yojuja mhere ichirira
Vorudenha ruya runovhundutsa
Vose muhana hwangova ubwaka-bwaka
Harahwa dzodedera,
Chembere dzichiguwa
Baba vongomocha, amai vatoshoshoma
Waenda mukorore wavo,
Rambakudzimbwa.

Kudzora takamboedza
“Kumhunga hakunepwa!”
Asi taitaura nedzinzinzi
Edu mashoko aive anovava
Zvino taigodii?
Mufaro mwena, ukatevedza unoguma.

Ngozi zvinoyatangira pauri
Zviri nani iwe warumwa nechekuchera
Ko vana vawagarisa parufuse?
Kuvasikira ngozi yerombe
Ichovaita mutemarege wembada
Mabasa awatisiira makukutu
Hapana anoziva pekutangira.

Ndambakuudzwa

Sponsors
Gemeente Rotterdam
Nederlands Letterenfonds
Stichting Van Beuningen Peterich-fonds
Ludo Pieters Gastschrijver Fonds
Lira fonds
Partners
LantarenVenster – Verhalenhuis Belvédère