Poetry International Poetry International
Poem

Tsotso magazine

TADII ZVEDU TA . . . ?

TADII ZVEDU TA . . . ?

TADII ZVEDU TA . . . ?

Wangu,
Kana togara tichigwabvurana wangu,
Toita kunge mbongoro kana mapfeni
Tichiswerera kukavana nekudzinganisana.

Kana kutsvukisirana maziso wave iwo mutambo
Tongoswera takafundumwarirana sehandira
Tisingambonyemwererani zvachose wangu

Kana kutaura kwangove kuhon’yerana sembwa
Tosinyurana siku nesikati
Pasinawo patinombowirirana

Kana tsamwa rwave rumbo reswedzazuva
Bopoto rave rumbo rwekurasisa
Kurara kwacho kwangove kupana misana siku yose

Kana torairana nembama sehoromba wangu
Tese tangova vana “Handiudzwi, Handinzarwo”
Iwe woti “Haivhiiwe” iniwo ndoti “Haivhiiwewo”

Kana zvese zvangove zveruzivasimba wangu
Manyama amire nerongo wave mugariro wezvinhu
Nzendo dzave dzefungiramumoyo saBhoki

Kana kuswera kudhidhidzana sengoma
Mhere yave siku nesikati
Rufaro tongoita rwokuhope, muzviroto
Tave makara asionani wembwa nengwe
Tadii zvedu ta . . . ?
Close

TADII ZVEDU TA . . . ?

Wangu,
Kana togara tichigwabvurana wangu,
Toita kunge mbongoro kana mapfeni
Tichiswerera kukavana nekudzinganisana.

Kana kutsvukisirana maziso wave iwo mutambo
Tongoswera takafundumwarirana sehandira
Tisingambonyemwererani zvachose wangu

Kana kutaura kwangove kuhon’yerana sembwa
Tosinyurana siku nesikati
Pasinawo patinombowirirana

Kana tsamwa rwave rumbo reswedzazuva
Bopoto rave rumbo rwekurasisa
Kurara kwacho kwangove kupana misana siku yose

Kana torairana nembama sehoromba wangu
Tese tangova vana “Handiudzwi, Handinzarwo”
Iwe woti “Haivhiiwe” iniwo ndoti “Haivhiiwewo”

Kana zvese zvangove zveruzivasimba wangu
Manyama amire nerongo wave mugariro wezvinhu
Nzendo dzave dzefungiramumoyo saBhoki

Kana kuswera kudhidhidzana sengoma
Mhere yave siku nesikati
Rufaro tongoita rwokuhope, muzviroto
Tave makara asionani wembwa nengwe
Tadii zvedu ta . . . ?

TADII ZVEDU TA . . . ?

Sponsors
Gemeente Rotterdam
Nederlands Letterenfonds
Stichting Van Beuningen Peterich-fonds
Ludo Pieters Gastschrijver Fonds
Lira fonds
Partners
LantarenVenster – Verhalenhuis Belvédère